top of page
Zita rekuti 'Mutasa' rakabva kupi? Unoziva here zvinoreva Mutasa District?
Mvumbi paakabva Mozambique akagara pagomo rinonzi Bingaguru (gomo iri ririko nhasi kwaMutasa ku Manicaland). Akagarika panzimbo iyi ndokubva vanhu vati ati tasa kugarika. Vanhu ndokuti kwa Mutasa kureva munhu akabva Mozambique kwakuti tasa kugarika paBingaguru. Mvumbi akazotumidza mwana wake kuti Mutasa. Musi wakafa Mutasa kwakaita solar eclipse (zuva rakaora) . Ndosaka kune Mutasa District. Ndosaka uchinzwa tichinzi Mutasa weBinga akafa zuva rikaora.

-
Mvumbi akabereka Mutasa abva Mozambique
-
Mutasa akabereka Mbanda
-
Mbanda akabereka Vagere
-
Vagere akabereka Chifambausiku
-
Chifambausiku akabereka Zimbare
-
Zimbare akabereka Muuya
-
Muuya akabereka Machokoto naChikono
-
Machokoto akabereka Machino, Tomu,, Mapako, Tirarami, Ngoya na Ezekiya
Mateteguru edu
bottom of page